Numbers 11:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.”
Shona 2009?
Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, "Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.”
Recommended Reading