Numbers 11:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa mweya wake pamusoro pavo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!”
Shona 2009?
Mozisi akati kwaari, "Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!"
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!”