Numbers 11:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviria kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible