Numbers 11:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumib. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakaswerera vakararira vakaswerera zvakare zuva rechipiri vachituta zvihuta. Hakuna munhu akatuta zvihuta asina kusvitsa chiuru chimwechete chamakirogiramu. Vakasasika zvihuta muruvanze rwamatendhe ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.
Shona 2009?
Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa.