Numbers 12:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Miriami naAroni ʋakapopotera Mosesi nokuɗa kwomukadzi waiʋa muKushi, waakaŋga awana; nokuti wakaŋga awana mukadzi waiʋa muKushi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Miriamu naAroni vakatsoropodza Mosesi pamusana pomukadzi waakanga aroora, nokuti akanga aroora mukadzi wechiKushi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, aakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
Shona 2009?
Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda komukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, aakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.