Numbers 12:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye ndicataura naye nomuromo, pacena, ndisiŋgatauri namashoko asiŋganzwisiswi; iye ucaʋona Jehova kuti wakaɗini; naiɀoɀo makaregereiko kutya kupopotera muranda waŋgu Mosesi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinotaura naye takatarisana, pachena kwete nezvirahwe; iye anoona chimiro chaJehovha. Zvino makarega seiko kutya kutaura muchipopotera muranda wangu Mozisi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?”
Shona 2009?
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mozisi?"
Shona SUB 2002 Bible
Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona Jehovha kuti akadini; naizvozvo makaregereiko kutya kupopotera muranda wangu Mosesi?”