Numbers 13:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tuma ʋarume kuti ʋandoshora nyika yeKanani, yandicapa ʋana ʋaIsraeri; utume mumŋe worudzi rumŋe norumŋe rwamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋaʋe ʋakuru pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tuma varume vanoenda kundosora nyika yeKanani, yandiri kupa vaIsiraeri. Padzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri tora mumwe wavatungamiriri vavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.”
Shona 2009?
"Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana vaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo."
Shona SUB 2002 Bible
“Tuma varume kuti vandoshora nyika yeKenani, yandichapa vana VaIsiraeri; utume mumwe worudzi rumwe norumwe rwamadzibaba avo, vose vave vakuru pakati pavo.”