Numbers 13:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nevu, kuti rakaɗiniko, kana rakaʋorera kana risinakuʋorera, kana panemiti kana pasinemiti; tsuŋgai mŋoyo, mugoʋuya neɀiɓereko ɀenyika iyo. Ɀino yaiʋa ŋguʋa yokutaŋga kuibva kwamazambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ongororai ivhu reko kuti rakanaka here kana kuti rakaipa, kuti kune miti here kana kuti hakuna. Itai chivindi muuye nemichero yomunyikamo.” Yakanga yava nguva yokutanga kuibva kwamagirepisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai mwoyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo.” Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
Shona 2009?
nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai moyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo." Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.
Shona SUB 2002 Bible
nevhu, kuti rakadiniko, kana rakaorera kana risina kuorera, kana pane miti kana pasina miti; tsungai mwoyo, mugouya nezvibereko zvenyika iyo.” Zvino yaiva nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa.