Numbers 13:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakandoȿika pamupata weEshkori, ʋakatema ɗaʋi raiʋa nesumbu rimŋe ramazambiriŋga, ʋakaritakura paɗanda pakati paʋanhu ʋaʋiri; ʋakaʋuya ʋo namatamba namaʋonde.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakasvika kubani reEshikoru vakatanha bazi raiva nesumbu ramagirepisi yaitoitwa zvokutembedzanwa pamafudzi navarume vaviri pamutanda. Vakauyawo nemichero yamapomugiraneti namaonde.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
Shona 2009?
Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.
Shona SUB 2002 Bible
Vakandosvika pamupata weEshikori, vakatema davi raiva nesumbu rimwe ramazambiringa, vakaritakura padanda pakati pavanhu vaviri; vakauyawo namatamba namaonde.