Numbers 13:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
Shona 2009?
Naizvozvo vakauya kuvana vaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoishora, vachiti, "Nyika iyo yatakapfuura napakati payo kuishora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakauya kuvana VaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo tichiisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.