Numbers 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Takaʋona’po ʋanhu ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋanobva paʋarefu; kana ticiɀifananidza, takaŋga takaita semhashu, ndoɀatakaŋga takaita kwaʋari ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takaona vaNefirimi ikoko (Izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi). Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takaonawo hofori dzavanhu vorudzi rwaAnakimu. Isu takanga takaita sehwiza ndiko kutiona kwavaitiita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo.”
Shona 2009?
Takaonapo vanhu varefu, vana vaAnaki, vanobva pavarefu; kana tichizvifananidza, takanga takaita semhashu, ndozvatakanga takaita kwavariwo."
Shona SUB 2002 Bible
Ikoko takaona vaNefirimu varefu–refu, vana VaAnaki, vakazvarwa naVaNefirimu, takazvitarisa takazviona kunege mhashu, ukuwo, ndiko kutaridzika kwataiita kwavari.”