Numbers 14:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira rinhiko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira rinhiko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?