Numbers 14:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋacaʋudza ʋanhu ʋagere munyika ino iɀoɀo; iʋo ʋakanzwa kuti imi Jehova muri pakati paʋanhu aʋa, nokuti imi Jehova munoʋonekwa naʋo pacena, gore renyu rinomira pamsoro paʋo, nemi munoʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vachaudza vanhu vanogara munyika ino pamusoro pazvo. Vakatozvinzwa kare kuti imi, Jehovha, mugere navanhu ava uye kuti imi, Jehovha, makaonekwa chiso nechiso, uye kuti gore renyu rinogara pamusoro pavo, uye kuti munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yomoto usiku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.
Shona 2009?
vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imwi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemwi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.
Shona SUB 2002 Bible
vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; ivo vakanzwa kuti imi Jehovha muri pakati pavanhu ava, nokuti imi Jehovha munoonekwa navo pachena, gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemi munovatungamirira masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto.