Numbers 14:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokumbira kuti mukaŋganwire henyu ɀakaipa ɀaʋanhu aʋa noʋukuru bgenyasha dzenyu, ʋuye seɀamakakaŋganwira ʋanhu aʋa kubva Egipita kuȿikira ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichienderana norudo rwenyu rukuru, regererai chivi chavanhu ava, sezvamakavaregerera kubva panguva yavakabva kuIjipiti kusvikira zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.”
Shona 2009?
Ndinokumbira kuti mukangamwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru bwenyasha dzenyu, uye sezvamakakangamwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino."
Shona SUB 2002 Bible
Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.”