Numbers 14:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naMosesi kundoshora nyika, ʋaya ʋakadzoka ʋonyunyutisa ʋuŋgano yose pamsoro pake, ɀaʋakaʋuya namashoko akaipa pamsoro penyika iyo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka varume vakanga vatumwa naMozisi kundosora nyika, vaya vakadzoka vakaita kuti ungano yose ipopotere Mozisi nemhaka yokuparidzira mashoko akaipa pamusoro payo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo varume vakatumwa naMosesi kundosora nyika vakadzoka vakakonzera kuti gungano rose rimunyunyutire nokutaura kwavo zvakaipa nezvenyika iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
Shona 2009?
Zvino varume vakanga vatumwa naMozisi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,