Numbers 15:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana kunomutorwa ugere nemi, kana aninani uri pakati penyu kuȿikira kumarudzi enyu ose, kana aciɗa kuʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; seɀamunoita imi, naiye unofanira kuita ʋo saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana pachinge paine mutorwa agere nemi zvachose, kana kuti agere nemi kwechinguva achida kupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi, anofanirawo kuita sezvamunoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
Shona 2009?
Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imwi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.