Numbers 15:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino kana ɀiciŋge ɀaitwa ʋuŋgano isiŋgaziʋi, ʋuŋgano yose inofanira kuʋuya nenzombe imŋe ɗuku, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, pamŋe cete necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa, seɀakarairwa, nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kukanganisa ikoko kana kwaitwa negungano mukusaziva, gungano rose ngariite mupiro wokupisa wehandira ichiri duku, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa newaini yomupiro wezvokunwa. Ngavapirewo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo maererano nezvakatemwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
Shona 2009?
zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
Shona SUB 2002 Bible