Numbers 15:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista unofanira kuyananisira munhu wakatadza, kana akaita ɀiʋi nokusaziʋa, pamberi paJehova, kuti amuyananisire, akaŋganwirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaapire mupiro kuna Tenzi wokuripira zvitadzo zvomunhu iyeyo. Munhu iyeyo anenge akakanganisa mukusaziva acharegererwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe.
Shona 2009?
Zvino muprista anofanira kuyananisira munhu,akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva,. pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akangamwirwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe.