Numbers 15:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi munhu unoita cinhu nokuɀikudza, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye unomhura Jehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi ani naani anotadza maune kunyange ari chizvarwa cheIsiraeri kana mutorwa, ashora Tenzi ngaachekaniswe ukama novokwake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona 2009?
Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.