Numbers 15:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino iye unopa cipo cake, unofanira kupa Jehova cipiriso coʋupfu cecegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
munhu anenge auya nomupiro ngaaunze mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina nehini yamafuta;
Shona 2009?
zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta;
Shona SUB 2002 Bible
zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina nehini yamafuta;