Numbers 16:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakamukira Mosesi, ʋanaʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋakaɗanwa kumakurukota, ʋarume ʋakaŋga ʋakakurumbira;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakamukira Mosesi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
Shona 2009?
vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadamwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
Shona SUB 2002 Bible
vakamukira Mosesi, vana vamwe vavana VaIsiraeri, vaiva vakuru veungano vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;