Numbers 16:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Haiwa, Mŋari, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ko kana munhu mumŋe akatadza, muŋgatsamŋira ʋuŋgano yose here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara vakati, “Nhai Tenzi, inga ndimi muridzi woupenyu hwose. Ko mungabva mashatirirwa vanhu vose pamusana pomunhu mumwechete here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?”
Shona 2009?
Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?”