Numbers 16:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni, ʋakati kwaʋari: Ɀariŋgana, nokuti ʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano ʋatȿene, mumŋe nomumŋe waʋo; Jehova uri pakati paʋo; imi munoɀikudzireiko pamakurukota aJehova?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaunganidzana ndokupandukira Mosesi naAroni vachiti, “Varume mazopindiridza! Inga gungano rose rakasarudzwawo naMwari idzvene nemunhu woga woga arimo. Tenzi arimowo mavari. Ko munozozvikwidziridza muchizviisa pamusoro pegungano raTenzi sei?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakaunganira kuna Mosesi naAroni, vakati kwavari, “Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”
Shona 2009?
vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,"Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?"
Shona SUB 2002 Bible
vakaunganira kuna Mosesi naAroni, vakati kwavari, “Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”