Numbers 16:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakaʋakomba ʋakatiza nokucema kwaʋo, nokuti ʋakati: Nyika irege kutimedza ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vose vakanga varipo vakanzwa kuchema kwavo vakatiza vachiti, “Nyika ingadaro ikatimedzawo nesu tose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, “Nyika irege kutimedzawo.”
Shona 2009?
Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, "Nyika irege kutimedzawo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo VaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, “Nyika irege kutimedzawo.”