Numbers 16:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
idzo haryana dzeɀinonhuwira dzaʋanhu aʋo ʋakatadza ʋakaʋurawa, dzipambadzirwe, kufukidza artari nadzo; nokuti ʋakaŋga ʋaʋuya nadzo pamberi paJehova, naiɀoɀo itȿene; cicaʋa ciratidzo kuʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tora mabisiro avarume vaya vakatadza vakabva vaurayiwa, uapfure ave mapepa okukwidibirisa paatari nokuti vakauya nawo kuzopira Tenzi, saka ava kuera. Achava mucherechedzo wokuyambira vaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza atari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri.”
Shona 2009?
idzo hadyana dzezvinonhuhwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
idzo hadyana dzezvinonhuwira dzavanhu avo vakatadza vakaurayiwa, dzipambadzirwe, kufukidza atari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana VaIsiraeri.”