Numbers 16:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri, kuti mutorwa, usati ari worudzi rwaAroni, arege kusweɗera kuti apise ɀinonhuwira pamberi paJehova, arege kuzoitirwa saKora neɓoka rake; seɀakataura Jehova naye nomuromo waMosesi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti chive chiyeuchidzo kuvaIsiraeri chokuti munhu wose asiri mupristi asiriwo wechizvarwa chokwAroni arege kuuya kuzopira Tenzi rusenzi nokuti zviya zvakawira Kora navamwe vake zvingavawirewo. Ndiwo mashoko akaudzwa Ereazari naTenzi achibva nokuna Mosesi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kusedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMosesi.
Shona 2009?
kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuhwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
Shona SUB 2002 Bible
kuti chive chirangaridzo kuvana VaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kusedera kuti apise zvinonhuwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMosesi.