Numbers 16:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋuŋgano yakati yaʋuŋgana kuzorwa naMosesi naAroni, ʋakatarira kutente rokusoŋgana, ʋakaʋona kuti gore rarifukidza, nokubginya kwaJehova kukaʋonekwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMosesi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
Shona 2009?
Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMosesi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.