Numbers 16:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kunaAroni: Tora haryana yako yeɀinonhuwira, uise mŋoto unobva paartari mukati mayo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro payo, ukurumbidze kuenda naɀo kuʋuŋgano, uʋayananisire; nokuti Jehova watsamŋa, ɗenda rataŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paatari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumbidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.”
Shona 2009?
Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hadyana yako yezvinonhuhwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paatari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumbidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.”