Numbers 16:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
maŋgwana muise mŋoto mukati madzo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo pamberi paJehova; ɀino munhu unotsaurwa naJehova, ndiye ucaʋa mutȿene. Ɀariŋgana, imi ʋanakomana ʋaRevi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye mangwana muise moto nezvinonhuwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
muisemo mavhunze omoto norusenzi moisa mabisiro iwayo paatari panopisirwa rusenzi. Saka ipapo asarudzwa naTenzi ndiye mutsvene. Imi vana vaRevhi mapindiridza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imi vanakomana vaRevhi.”
Shona 2009?
mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi."
Shona SUB 2002 Bible
mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imi vanakomana vaRevhi.”