Numbers 18:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe naʋanakomana ʋako, naʋeimba yaɓaɓa ʋako pamŋe cete newe, munofanira kutakura ɀakaipa ɀeimba tȿene; iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe munofanira kutakura ɀakaipa ɀoʋuprista bgenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Aroni achiti, “Kana pane chinokanganiswa pakushanda munzvimbo inoera, mhosva ndeyako iwe navanakomana vako vemhuri yokwako. Asi kana zvava zvebasa roupristi ndiwe navanakomana vemhuri yokwako bedzi muchava nemhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi hwenyu.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, "Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvouprista bwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi hwenyu.