Numbers 18:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iɀi ndiɀo ɀako: Cipiriso cinotsaurwa ceɀipo ɀaʋo, iɀo ɀipiriso ɀose ɀinozuŋguzirwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo, iwe, naʋanakomana ʋako, naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀenyu nokusiŋgaperi; ʋose ʋakanaka mumba mako ʋaŋgaɀidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Izvi, ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvimwe zvamuchapiwa navaIsiraeri ndeizvi: zvipo zvemipiro yavo, nemipiro yavo yose inovheyeswa ichipirwa kuna Mwari. Zvinhu izvozvi ndapa iwe navanakomana navanasikana vako. Ndezvenyu narini narini. Ani naani wemhuri yako anenge asina kun'ora anobvumirwa kuzvidya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.
Shona 2009?
Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.
Shona SUB 2002 Bible
Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana VaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.