Numbers 18:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, panyama yose yaʋanoʋuyisa kunaJehova, kana ɀiri ɀaʋanhu, kana ɀeɀipfuwo, ɀinofanira kuʋa ɀako; kunyaŋge ɀakaɗaro mataŋgwe aʋanhu unofanira kuadzikinura; ʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo unofanira kuʋadzikinura ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Matangwe ose, chose chinotanga kuzarura nhumbu, angava avanhu kana emhuka avanouya nawo, kuzopira kuna Tenzi, ndeako. Asi dzikinurisa matangwe avanhu neemhuka dzakanora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikinura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikinurawo.
Shona 2009?
Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikunura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikunurawo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyangwe zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikinura; vana vose vematangwe ezvipfuwo unofanira kuvadzikinurawo.