Numbers 18:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo nemi ʋo mucapa Jehova cipiriso cinotsaurwa ceɀegumi ɀenyu ɀose ɀamunopiwa naʋana ʋaIsraeri; ɀino kunaiɀoɀo munofanira kupa Aroni muprista cipiriso cinotsaurwa caJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka imi bvisaiwo chipo chokupira Tenzi chichibva pane zvegumi zvose zvamunogamuchira zvinobva kuvaIsiraeri. Pane zvegumi izvozvo bvisai mugove waMwari mupe Aroni mupristi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.
Shona 2009?
Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni muprista chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana VaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.