Numbers 18:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo uti kwaʋari: Kana matsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, ɀinofanira kuʋereŋgerwa ʋaRevi seɀakapurwa paɓuriro, neɀakaȿiniwa paciȿiniro cewaini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka taurira vaRevhi kuti, kana mapira Tenzi chakanakisisa pazviri, zvinenge zvasara ndezvevaRevhi, sezvinoita murimi anopira mupiro wake wembesanwa dzokutanga, newewaini inotanga kusvinwa muchisviniro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo uti kwavari, ‘Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.
Shona 2009?
Naizvozvo uti kwavari, `Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo uti kwavari, ‘Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.