Numbers 18:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, ʋaʋe cipo kwamuri, ʋanhu ʋakapiwa Jehova, kuti ʋaɓate maɓasa etente rokusoŋgana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, ini ndini ndasarudza hama dzako vaRevhi pakati pavaIsiraeri, vava chipo chawapiwa. Vapirwa kwandiri kuti vaite basa romutendhe rokusanganira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.
Shona 2009?
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana VaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.