Numbers 18:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe naʋana ʋako pamŋe cete newe munofanira kuɓate‐ɓasa roʋuprista bgenyu paɀinhu ɀose ɀeartari, neɀose ɀiri mukati mecidzitiro; ndipo pamunofanira kuɓata; ndinokupai ʋuprista, ciʋe cipo ceɓasa; asi usina‐kufanira, unosweɗera, unofanira kuʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iwe navanakomana vako ndimi moga muchaita basa roupristi nerezvose zvepaatari neremumupanda unoeresesa museri mejira rokudzikatirisa. Ndiro basa rako. Ndinokupa chipo choupristi. Asi mumwe munhuwo zvake anoedza kuita basa iroro ngaaurayiwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi hwenyu pazvinhu zvose zveatari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.”
Shona 2009?
Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa rouprista bwenyu pazvinhu zvose zvearitari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai uprista, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa."
Shona SUB 2002 Bible
Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi hwenyu pazvinhu zvose zveatari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurayiwa.”