Numbers 18:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akataura ʋo naAroni, akati: Ini, tarira, ndakakupa ɓasa rokuceŋgeta ɀipiriso ɀaŋgu ɀinotsaurwa, iɀo ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo uʋe mugoʋe wako nowaʋanakomana ʋako nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akataurawo naAroni, akati, “Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.
Shona 2009?
Jehovha akataurawo naAroni, akati, "Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akataurawo naAroni, akati, “Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana VaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.