Numbers 19:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe munhu wakanaka unofanira kuʋuŋganidza maɗota etsiru, ndokuaceŋgeta kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka, kuti aceŋgeterwe ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; cipiriso ceɀiʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo mumwe murume anenge asina kun'ora ngaaunganidze madota etsiru riya rakapiswa andoaisa kunze kwenharaunda yematendhe panzvimbo isina kun'ora. Madota iwayo ngaachengeterwe vaIsiraeri kuti vazoaisa mumvura iya inosaswa pakuchenura zvinhu napakubvisa zvitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
Shona 2009?
Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana VaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.