Numbers 2:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanodzika kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokunoɓuɗa zuʋa nako, ʋanofanira kuʋa ʋomureza wemisasa yaJuda, namapoka aʋo; Nashoni mŋanakomana waAminadabi ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachadzika matendhe avo nechokumabvazuva ndovomureza wamatendhe edzinza rokwaJudha, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza rokwaJudha iri anenge ari Nahishoni mwanakomana waAminadhabhu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
Shona 2009?
Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha.