Numbers 2:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa ɀose naJehova, saiɀoɀo ʋakadzika matente aʋo pamireza yaʋo, mumŋe nomumŋe pamhuri dzaʋo, padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naTenzi. Vaidzika matendhe pane mireza yavo saizvozvo vaisimudzira rwendo munhu wose ari mumhuri yokwake nemba yokwababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mosesi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo.