Numbers 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, uye Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vakaunganidza vanhu kudombo riya ndokuvati, “Chinzwai mhandupandu dzavanhu, imi! Ko tokubudisirai mvura padombo iri here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?”
Shona 2009?
Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, "Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?"
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?”