Numbers 20:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nokuti hamuna kuvimba neni, hamuna kuratidza vaIsiraeri kururama nokuera kwangu imi hamuchandosvitsi vaIsiraeri kunyika yandakavapa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana vaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.”
Shona 2009?
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, "Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana VaIsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.”