Numbers 20:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mungatibvumirewo here kupfuura nomunyika yenyu. Isu hatizobudi munzira tichipinda nomuminda yenyu yembesanwa kana yemigirepisi, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri Mumugwagwa Mukuru Wamambo, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tabuda munyika yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ”
Shona 2009?
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatingamwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.' "
Shona SUB 2002 Bible
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ”

Recommended Reading