Numbers 20:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Ticakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini neɀipfuwo ɀaŋgu, ndicaripa muteŋgo wayo; nditendere kwoga kupfuʋura namakumbo aŋgu, hakunerimŋe shoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakapindura vakati, “Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakati, “Ticharamba tiri mumugwagwa mukuru chete. Kana isu nezvipfuwo zvedu tikanwa mvura yenyu, tinoiripa. Tiregei tingotsikawo nomunyika yenyu. Ndicho chichemo chedu choga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.”
Shona 2009?
Vana vaIsiraeri vakati kwaari, "Tichakwira nenzira huru; kana tikamwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere koga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko."
Shona SUB 2002 Bible
Vana VaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.”