Numbers 20:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo uye richabudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tora tsvimbo iya, uunganidze gungano ravanhu. Iwe nomukoma wako Aroni udzai dombo vaIsiraeri vakatarisa kuti riburitse mvura. Ipapo muchavabudisira mvura padombo. Naizvozvo muchawanisa gungano rose pamwechete nezvipfuwo zvavo mvura yokunwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.”
Shona 2009?
"Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, umwise ungano nezvipfuwo zvavo."
Shona SUB 2002 Bible
“Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.”