Numbers 21:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kunyika yeZasi, wakati anzwa kuti ʋaIsraeri ʋoʋuya nenzira yeAtarimi, akarwa naʋaIsraeri, akatapa ʋamŋe ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weAradhi muKanani akanga agere kuNegevhu, kumaodzanyemba kweKanani akanzwa kuti vaIsiraeri vari kuuya nenzira yokuAtarimu. Akandorwisa vaIsiraeri akatapa vamwe vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.
Shona 2009?
Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti VaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa naVaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.