Numbers 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakaenda Beeri; ndiro tsime rakanzi naJehova kunaMosesi: Ʋuŋganidza ʋanhu, ndicaʋapa mvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakasimudzira rwendo rwavo vakasvika patsime reBheeri ndipo patsime paya pakaudzwa Mosesi naTenzi kuti, “Unganidza vanhu ndivape mvura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mosesi, “Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.”
Shona 2009?
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, "Unganidza vanhu, ndichavapa mvura."
Shona SUB 2002 Bible
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mosesi, “Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.”