Numbers 21:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaIsraeri ʋakapikira Jehova mhiko, ʋakati: Kana mukapa ʋanhu aʋa mumaʋoko eɗu, ticaparadza maguta aʋo cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vaIsiraeri vakapika mhiko kuna Tenzi vachiti, “Kana mukatiita kuti tikunde vanhu ava, maguta avo tinoaita chibayiro, tichiaparadza zvachose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, “Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.”
Shona 2009?
Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, "Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo VaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, “Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.”