Numbers 21:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nditendere kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo, kuȿikira taɓuɗa panyika yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dotibvumiraiwo kuti tipfuure nomunyika yenyu. Hatizobudi munzira tichipinda muminda yenyu yembesa kana yemivhaini, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri muMugwagwa Mukuru Wamambo kudzamara tabuda munyika yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.”
Shona 2009?
"Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatingamwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako."
Shona SUB 2002 Bible
“Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.”