Numbers 21:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋaIsraeri ʋakamukunda neminondo inopinza, ʋakatora nyika yake kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kuȿikira paʋana ʋaAmoni; nokuti muganho waʋana ʋaAmoni wakaŋga wakasimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vaIsiraeri vakavarakasha namapakatwa, vakavatorera nyika yavo kubvira muna Arinoni kundosvika muna Jabhoko, vachindogumira kunyika yavaAmoni nokuti muganho wavaAmoni wakanga wakanyatsodzivirirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.
Shona 2009?
Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.
Shona SUB 2002 Bible
Asi VaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.